Proverbs 6

Yambiro pamusoro poUpenzi

1Mwanakomana wangu, kana uchinge waita rubatso kumuvakidzani wako,
kana uchinge waita mhiko nokumbunda noruoko rwako kuno mumwe,
2kana uchinge wasungwa nokuda kwezvawakataura,
wabatwa namashoko omuromo wako,
3ipapo ita izvi, mwanakomana wangu,
kuti uzvisunungure, sezvo wawira mumaoko omuvakidzani wako!
Enda undozvininipisa;
ukumbire zvikuru kumuvakidzani wako!
4Usatendera meso ako hope,
usatendera meso ako kutsumwaira.
5Zvipukunyutse, semhara kubva paruoko rwomuvhimi,
seshiri kubva paugombe hwomuteyi.
6Enda kusvosve, iwe simbe;
cherechedza nzira dzaro ugova wakachenjera!
7Harina mutungamiri,
mutariri kana mutongi,
8asi rinochengeta zvokudya zvaro muzhizha,
uye rinounganidza zvokudya zvaro pakukohwa.

9Uchasvika riniko wakarara ipapo, iwe simbe?
Uchamuka riniko kubva pahope dzako?
10Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira zvishomanana,
kumbopeta maoko zvishomanana kuti ndizorore.
11Naizvozvo urombo huchauya kwauri segororo,
uye kushayiwa somurwi akashonga nhumbi dzokurwa.

12Munhu asina maturo uye anoita zvakaipa,
anofamba-famba achitaura zvakaora,
13anochonya nameso ake,
anonongedzera netsoka dzake,
uye anodudzira neminwe yake,
14anoronga zvakaipa nounyengeri mumwoyo make,
iyeyo anogaromutsa kupesana.
15Naizvozvo njodzi ichamuwira munguva shoma shoma;
achaparadzwa nokukurumidza, pasina chingamubatsira.

16Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha,
zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti:
17meso anozvikudza,
rurimi runoreva nhema,
maoko anodeura ropa risina mhosva,
18mwoyo unoronga mano akaipa,
tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa,
19chapupu chenhema chinodurura nhema,
uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama.

Yambiro pamusoro poUpombwe

20Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako,
uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
21Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi;
uzvishonge pamutsipa wako.
22Paunofamba zvichakutungamirira;
paucharara, zvichakurinda;
pauchamuka, zvichataura newe.
23Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza,
uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu,
24kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati,
kubva parurimi runonyengera rwomudzimai asingazvibati.
25Usachiva runako rwake mumwoyo mako,
kana kumurega achikubata namaziso ake,
26nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa,
uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu.
27Ko, munhu angaisa moto pamakumbo ake,
nguo dzake dzikasatsva here?
28Ko, munhu angafamba pamazimbe anopisa,
tsoka dzake dzikasatsva here?
29Ndizvo zvakaita uyo anorara nomudzimai womumwe murume;
hapana angabate mukadzi iyeyo akasarangwa.

30Vanhu havazvidzi mbavha
kana ikaba kuti ipedze nzara yayo painenge yoziya.
31Asi kana akabatwa, anofanira kuripa kakapetwa kanomwe,
kunyange zvichimutorera pfuma yose yeimba yake.
32Asi munhu anoita upombwe, anoshayiwa njere;
ani naani anozviita anozviparadza iye pachake.
33Kurohwa nokunyadziswa ndiwo mugove wake,
uye kunyadziswa kwake hakungatongobviswi;
34nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume,
uye haanganzwiri tsitsi kana otsiva.
35Haangagamuchiri muripo upi zvawo;
acharamba fufuro, kunyange rakakura sei.
Copyright information for SnaBDSC